1 Pauro, Sirasi naTimoti,Kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu:Nyasha norugare ngazvive nemi.
2 Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu.
3 Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu.
4 Nokuti tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kuti akakusarudzai,