25 Vakati kwaari, “Ndiwe aniko?”Jesu akapindura akati, “Izvozvo zvandanguri ndataura kare kuti ndini iye.
26 Ndine zvizhinji zvandinoda kutonga pamusoro penyu. Asi uyo akandituma akavimbika, uye zvandakanzwa kwaari ndizvo zvandinoudza nyika.”
27 Havana kunzwisisa kuti akanga achivaudza nezvaBaba.
28 Saka Jesu akati kwavari, “Pamuchasimudza Mwanakomana woMunhu, ipapo ndipo pamuchaziva kuti ndini iye, uye kuti handina chinhu chandinoita ndoga asi ndinotaura zvandakadzidziswa naBaba zvoga.
29 Uyo akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinomufadza.”
30 Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari.
31 Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo.