24 Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.”
25 Zvino Judhasi uyo aizomupandukira akati, “Chokwadi, ndini here, Rabhi?”Jesu akapindura akati, “Hongu, ndiwe.”
26 Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.”
27 Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose.
28 Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo.
29 Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.”
30 Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.