42 Akaendazve kechipiri akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvisingagoni kuti mukombe uyu ubviswe kwandiri kunze kwokutenge ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.”
43 Paakadzoka, akavawanazve vavata nokuti meso avo akanga azere nehope.
44 Saka akavasiya akaendazve uye akanyengetera kechitatu, achitaura zvimwe chetezvo.
45 Ipapo akadzokazve kuvadzidzi akati kwavari, “Muchakavata uye muchakazorora here? Tarirai, nguva yava pedyo, uye Mwanakomana woMunhu ari kupandukirwa achiiswa mumaoko avatadzi.
46 Simukai, ngatichiendai! Anondipandukira uya ouya!”
47 Paakanga achiri kutaura kudaro, Judhasi, mumwe wevane gumi navaviri akasvika. Akauya navanhu vazhinji vakanga vakabata minondo netsvimbo, vakanga vatumwa navaprista, vakuru navakuru vavanhu.
48 Zvino uya akamupandukira ainge avaudza chiratidzo achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye; mumusunge.”