1 Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo.
2 Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari uye asina hanya navanhu.
3 Uye muguta imomo maiva nechirikadzi yakaramba ichiuya kwaari nechikumbiro ichiti, ‘Ndiruramisireiwo kumuvengi wangu.’
4 “Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, ‘Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu,
5 asi nokuda kwokuti chirikadzi iyi inoramba ichindinetsa, ndinofanira kuiruramisira, kuitira kuti arege kuzoramba achindinetsa nokuuya kwake!’ ”
6 Zvino Ishe akati, “Inzwai zvinotaurwa nomutongi asakarurama.