5 Akaenda ikoko kundonyoresa naMaria, waakanga atsidzira kuzowanana naye uye akanga ava napamuviri.
6 Vachiri ikoko, nguva yokuzvarwa kwomwana yakasvika,
7 akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo.
8 Uye kwakanga kuna vafudzi vakanga vachigara kumafuro aiva pedyo naikoko, vachichengeta makwai avo usiku.
9 Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomba, uye vakatya kwazvo.
10 Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose.
11 Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe.