1 Ipapo ungano yose yakasimuka ikaenda naye kuna Pirato.
2 Uye vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu. Haabvumirani nokuripa mutero kuna Kesari uye anozviti ndiye Kristu, mambo.”
3 Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.”
4 Ipapo Pirato akati kuvaprista vakuru navanhu vazhinji, “Handiwani hwaro hwemhosva inopomerwa murume uyu.”