17 Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake kunge ndafa. Ipapo akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya. Ndini Wokutanga neWokupedzisira.
18 Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperiperi! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi.
19 “Naizvozvo, nyora zvawaona, zviripo zvino nezvichazoitika shure kwaizvozvi.
20 Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rworudyi nechezvigadziko zvinomwe zvemwenje ndechichi: Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe, uye zvigadziko zvinomwe zvemwenje ndidzo kereke nomwe.