1 Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo.
2 Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati:
3 “Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.”
4 Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: Zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri.
5 Kubva kurudzi rwaJudha, zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso,kubva kurudzi rwaRubheni, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaGadhi, zviuru gumi nezviviri,
6 kubva kurudzi rwaAsheri, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaNafutari, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaManase, zviuru gumi nezviviri,