26 Saka vakatora hando yavakanga vapiwa vakaigadzira.Ipapo vakadana kuzita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati. Vakadanidzira vakati, “Bhaari, tipindure!” Asi mhinduro haina kuwanikwa; hapana akapindura. Vakatamba vachipoterera aritari yavakanga vaita.
27 Ava masikati, Eria akatanga kuvatuka akati, “Danidzirisai! Zvirokwazvo ndimwari! Zvichida ari kufunga zvakadzama kwazvo, kana kuti ane basa kwazvo, kana kuti ari parwendo. Zvimwe akavata zvokuti anotofanira kumutswa.”
28 Saka vakatonyanyisa kudanidzira, vakazvicheka-cheka neminondo namapfumo, setsika yavo, kusvikira ropa ravo raerera.
29 Masikati akapfuura, ivo vakaramba vachiprofita zveshungu kusvikira nguva yechibayiro chamanheru. Asi hapana chakaitika, hapana akapindura, hapana akaratidza hanya.
30 Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Uyai kuno kwandiri.” Vakauya kwaari, iye akagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa.
31 Eria akatora mabwe gumi namaviri, rimwe chete rakamirira rudzi rumwe chete rwavanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti, “Zita rako richava Israeri.”
32 Akashandisa mabwe aya kuvaka aritari muzita raJehovha, uye akachera mugero waipoteredza aritari wakanga wakakura zvokuti waikwana maseya maviria embeu.