2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita samadzimambo eIsraeri akamutangira.
3 Sharimaneseri mambo weAsiria akauya kuzorwisa Hoshea, iye akava muranda wake akaripa mutero kwaari.
4 Asi mambo weAsiria akazoziva kuti Hoshea yaiva mhandu, nokuti akanga atuma nhume kuna So, mambo weIjipiti, uye akarega kuripa mutero kuna mambo weAsiria, sezvaaisiita gore negore. Naizvozvo Sharimaneseri akamubata akamuisa mutorongo.
5 Mambo weAsiria akarwisa nyika yose, akafamba akananga kuSamaria akarikomba kwamakore matatu.
6 Mugore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria akaendesa vaIsraeri kuAsiria. Akavagarisa muHara, nomuGozani, pedyo noRwizi rweHazori uye nomumaguta avaMidhia.
7 Izvi zvose zvakaitika nokuda kwokuti vaIsraeri vakanga vatadzira Jehovha Mwari wavo, akanga avabudisa kubva muIjipiti pasi poruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Vakanamata vamwe vamwari
8 uye vakatevera tsika dzedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naJehovha, pamwe chete netsika dzakanga dzatangiswa namadzimambo eIsraeri.