24 Uise izvi zvose mumaoko aAroni navanakomana vake ugozvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira.
25 Ipapo uzvitore kubva mumaoko avo ugozvipisa paaritari pamwe chete nechipiriso chinopiswa chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
26 Shure kwokunge watora chityu chegondohwe rokugadzwa kwaAroni, uchininire pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira uye chichava mugove wako.
27 “Unatse mitezo iyo yegondohwe rokugadza raAroni navanakomana vake: chityu chakaninirwa uye chakakumikidzwa.
28 Uyu unofanira kuva mugove wenguva dzose unobva kuvaIsraeri, waAroni navanakomana vake. Uyu ndiwo mugove unofanira kupiwa navaIsraeri kuna Jehovha kubva pazvipiriso zvavo zvokuwadzana.
29 “Nguo tsvene dzaAroni dzichava dzezvizvarwa zvake kuitira kuti vazodzwe uye vagogadzwa vakadzipfeka.
30 Mwanakomana wake achamutevera pauprista uye anouya kuTende Rokusangana kuti azoshumira ari muNzvimbo Tsvene, anofanira kudzipfeka kwamazuva manomwe.