1 Ezira paakanga achinyengetera nokureurura, nokuchema achizviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru huru yavarume, vakadzi navana vavaIsraeri yakaungana paari. Naivowo vakachema zvikuru kwazvo.
2 Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wezvizvarwa zvaEramu, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu nokuwana vakadzi vatorwa kubva kundudzi dzakatipoteredza. Asi kunyange zvakadaro, Israeri ichine tariro.
3 Zvino ngatiitei sungano pamberi paMwari wedu kuti tidzinge vakadzi ava vose navana vavo, maererano nezvakarayirwa naishe wangu naavo vanotya mirayiro yaMwari wedu. Ngazviitwe maererano nomurayiro.
4 Simuka; nyaya iyi yava mumaoko ako. Tichamira newe, saka, tsunga mwoyo uzviite.”
5 Saka Ezira akasimuka akaisa pamhiko vaprista vaitungamira navaRevhi uye navaIsraeri vose kuti vaite zvakanga zvarehwa. Uye vakaita mhiko.