34 Chemai uye muungudze, imi vafudzi; umburukai muguruva, imi vatungamiriri veboka. Nokuti nguva yokuurayiwa kwenyu yasvika; muchawa mugopwanyika somudziyo wakanaka wevhu.
35 Vafudzi vachashayiwa kwokutizira, navakuru veboka vachashayiwa kwokutizira.
36 Inzwai kuchema kwavafudzi, nokuungudza kwavatungamiriri veboka, nokuti Jehovha ari kuparadza mafuro avo.
37 Mabumhudza ano rugare achaparadzwa nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.
38 Seshumba, achabva panzvimbo yake yokuvanda, uye nyika yavo ichaparadzwa nokuda kwomunondo womumanikidzi, uye nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.