13 Asi vaIsraeri havana kupisa kana rimwe ramaguta akanga akavakwa pazvikomo zvavo, kusara kweHazori chete, rakapiswa naJoshua.
14 VaIsraeri vakatakura zvose zvavakapamba nezvipfuwo zvamaguta iwaya, asi vakaparadza zvachose vanhu vose, vakasasiya kana mumwe aifema.
15 Sezvakanga zvarayirwa Mozisi muranda wake naJehovha, saizvozvo Mozisi akarayira Joshua, uye Joshua akazviita; hapana chaakasiya chisina kuitwa pane zvose zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
16 Naizvozvo Joshua akatora nyika yose iyi nyika yamakomo, neNegevhi nyika yose yezasi, neArabha namakomo eIsraeri namajinga awo,
17 kubvira kuGomo reHaraki, rinokwira rakananga kuSeiri, kuBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni mumupata meGomo reHemoni. Akabata madzimambo avo ose akavaparadza, akavauraya.
18 Joshua akarwa namadzimambo ose aya kwenguva refu.
19 Hakuna guta kana rimwe rakaita sungano yorugare navaIsraeri kunze kwavaHivhi vaigara muGibheoni, vavakatora vose pakurwa.