51 Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu. nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.
52 Avo vakanga vari vavengi vangu ini ndisina mhaka vakandivhima seshiri.
53 Vakaedza kundiuraya mugomba uye vakapotsera matombo kwandiri;
54 mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.
55 Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.
56 Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”
57 Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.”