54 mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.
55 Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.
56 Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”
57 Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.”
58 Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu.
59 Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu!
60 Makaona udzamu hwokutsva kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.