61 Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu.
62 Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.
63 Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu.
64 Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu, ndidzidzisei zvirevo zvenyu.Teti
65 Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu.
66 Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.
67 Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu.