4 Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira.
5 Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,
6 “Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.”
7 Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako.
8 Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako.
9 Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”
10 Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika.