9 Panguva yokuonekwa kwenyu muchavaita sevira romoto. Jehovha achavamedza nehasha dzake, uye moto wake uchavaparadza.
10 Muchaparadza zvizvarwa zvavo kubva panyika, vana vavo kubva pakati pavanhu.
11 Kunyange vachirangana zvakaipa pamusoro penyu nokufunga mano akaipa, havangagoni kubudirira;
12 nokuti muchaita kuti vafuratire, pamuchavananga nouta hwakavhomorwa.
13 Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu; tichaimba uye ticharumbidza simba renyu.