29 vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.
30 Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.
31 Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki.
32 Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;
33 asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.
34 Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.
35 Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti munyoro pavhu romunyika yawo,