3 Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu, uye pandakafungisisa, moto ukapisa; ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati:
4 “Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu nokuwanda kwamazuva angu; ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.
5 Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu; kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu. Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.
6 Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake: anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina; anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.
7 “Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri.
8 Ndiponesei pakudarika kwangu kwose; regai kundiita chiseko chamapenzi.
9 Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu, nokuti ndimi makaita izvi.