3 Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi,
4 nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu.
5 Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.
6 Uyu ndiye akauya nemvura neropa, Jesu Kristu. Haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Uye Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi.
7 Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti:
8 Mweya, mvura, neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana.
9 Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake.