1 Petro, mupostori waJesu Kristu,Kuvasanangurwa vaMwari, vatorwa munyika, vakapararira muPondasi yose, neGaratia, neKapadhokia, Ezhia neBhitinia,
2 vakasarudzwa maererano nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, kubudikidza nebasa roMweya rokuvaita vatsvene, kuti vateerere kuna Jesu Kristu nokusaswa neropa rake:Nyasha norugare ngazviwande kwamuri.
3 Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,
4 akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga,
5 imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira.