20 Iye akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu.
21 Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari.
22 Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo.
23 Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi.
24 Nokuti,“Vanhu vose vakaita souswa,uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa;uswa hunosvava uye maruva anowira pasi,
25 asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.”Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa.