23 asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kuvaHedheni.
24 Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari.
25 Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.
26 Hama dzangu, rangarirai zvamakanga muri pamakadanwa. Havazi vazhinji venyu vaiva namasimba; havazi vazhinji vaikudzwa pakuzvarwa kwavo.
27 Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba.
28 Akasarudza zvinhu zvakazvidzwa zvenyika ino uye zvinhu zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo,
29 kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake.