30 Ndokusaka vazhinji pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vamwe venyu vavete.
31 Asi kana tikazviedza pachedu, hatingazotongwi.
32 Kana tikatongwa naShe, tiri kurangwa kuitira kuti tirege kuzoraswa pamwe chete nenyika.
33 Saka naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana pakudya, miriranai.
34 Kana mumwe aine nzara, anofanira kudya kumba kwake, kuitira kuti pamunoungana pamwe chete murege kutongwa.Uye kana ndichinge ndasvika ndichakudzidzisai zvimwe.