26 Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.
27 Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo.
28 Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyanasiyana.
29 Vose vapostori here? Vose vaprofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita zvishamiso here?
30 Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
31 Asi shuvai kwazvo zvipo zvikuru.