31 Nokuti mose munogona kuprofita muchitevedzana mumwe mushure momumwe, kuitira kuti vose varayirwe uye vakurudzirwe.
32 Mweya yavaprofita inozviisa pasi pavaprofita.
33 Nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganyonga asi worugare.Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene,
34 vakadzi ngavanyarare mukereke. Havatenderwi kutaura asi ngavazviise pasi sezvinoreva murayiro.
35 Kana vachida kubvunza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti hazvina kufanira kuti mukadzi ataure mukereke.
36 Ko, shoko raMwari rakatanga nemi here? Kana kuti rakasvika kwamuri moga here?
37 Kana munhu achifunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chomweya, ngaatende kuti zvandinokunyorerai murayiro waShe.