38 Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo.
39 Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe.
40 Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe.
41 Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.
42 Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa unoparara, unomutswa usisaparari;
43 unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba;
44 unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya.Kana kuno muviri wenyama, kune muviri womweyawo.