12 Zvino pamusoro pehama yedu Aporosi: Ndakamukurudzira kwazvo kuti auye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama. Akanga asingadi kuuya iye zvino, asi achauya kana awana mukana.
13 Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba.
14 Itai zvinhu zvose murudo.
15 Munoziva kuti mhuri yaStefanasi ndivo vakava vatendi vokutanga muAkaya, uye vakazvipira kushumira vatsvene. Ndinokukurudzirai hama,
16 kuti muzviise pasi pavakadai saava uye pasi pavose vanobatana nesu pabasa, uye navanobata pariri.
17 Ndakafara pakasvika Stefanasi, naFochunatasi naAkayikasi, nokuti vakandiitira zvamakanga musingagoni kundiitira imi.
18 Nokuti vakazorodza mweya wangu uye neyenyuwo. Varume vakadai vanofanira kukudzwa.