7 Ndinoshuva kuti dai vanhu vose vakaita seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipo chake chaakapiwa naMwari; mumwe ane chipo ichi mumwe ane icho.
8 Zvino kune vasina kuwana nechirikadzi ndinoti: Zvakanaka kwavari kuti vasawana, sezvandiri.
9 Asi kana vasingagoni kuzvidzora, vanofanira kuwana, nokuti zviri nani kuwana pane kutsva.
10 Kuna vakawana ndinopa murayiro uyu (kwete ini, asi Ishe): Mukadzi ngaarege kuparadzana nomurume wake.
11 Asi kana akabva, ngaarege kuzowanikwazve, kana kuti ngaayanane nomurume wake. Uye murume haafaniri kuramba mukadzi wake.
12 Kuna vamwe vose ndinoti (ini kwete Ishe): Kana hama ino mukadzi asingatendi uye mukadzi achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba.
13 Uye kana mukadzi ane murume asingatendi uye murume achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba.