2 Nyasha norugare ngazvive nemi, zviwande kubudikidza nokuziva kwaMwari nokwaJesu Ishe wedu.
3 Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana nokubwinya nokunaka kwake chaiko.
4 Kubudikidza naizvozvo, akatipa zvipikirwa zvake zvikuru kwazvo zvinokosha kuti nazvo, mugone kugoverwa umwari uye mugotiza kuora kwomunyika kunouyiswa nokuchiva.
5 Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva;
6 napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari;
7 napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo.
8 Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitai kuti musava nousimbe uye musingashayiwi zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu.