1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, maererano nechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu,
2 Kuna Timoti mwanakomana wangu anodikanwa:Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu, Ishe wedu.
3 Ndinovonga Mwari, wandinoshumira sezvakaitwa namadzitateguru angu, nehana yakachena, sezvo ndichikurangarira muminyengetero yangu usiku namasikati.
4 Ndichirangarira misodzi yako, ndinoshuva kukuona, kuti ndigozadzwa nomufaro.
5 Ndinoyeuchidzwa kutenda kwako kusinganyengeri, kwakanga kuri muna mbuya vako Roisi uye nomuna mai vako Yunisi pakutanga, uye zvino ndinoziva kuti kunogarawo mauri.