14 Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa.
15 Uye iye akafira vose, uye naizvozvo vose havachafaniri kuzviraramira pachavo asi iye akavafira uye akamutswazve kubva kuvakafa.
16 Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuzivi saizvozvo.
17 Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!
18 Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa:
19 ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa.
20 Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.