1 Mukuru,Kushamwari yangu inodikanwa Gayo, wandinoda muchokwadi.
2 Mudikani shamwari, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako.
3 Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi.
4 Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi.
5 Mudikani shamwari, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva.
6 Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari.