1 Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu,Kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu,
2 kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako:
3 Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
4 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu,
5 nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose.