3 Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
4 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu,
5 nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose.
6 Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu.
7 Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene.
8 Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi muna Kristu kuti ndikurayire zvaunofanira kuita,
9 asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu