8 Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.”Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.”
9 Ipapo Simoni Petro akati, “Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi asi maoko angu nomusoro wanguwo!”
10 Jesu akapindura akati, “Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena. Imi makachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.”
11 Nokuti aiziva kuti ndiani aizomupandukira, ndokusaka akati, havasi vose vakanga vakachena.
12 Akati apedza kushambidza tsoka dzavo, akapfeka nguo dzake akadzokera panzvimbo yake. Akavabvunza akati, “Munonzwisisa here zvandaita kwamuri?
13 Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri.
14 Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.