6 Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi.
7 Akapamhazve kuvabvunza akati, “Ndianiko wamunoda?”Uye ivo vakati, “Jesu weNazareta.”
8 Jesu akapindura akati, “Ndakuudzai kuti ndini iye. Kana muchitsvaka ini, zvino chiregai varume ava vaende.”
9 Izvi zvakaitika kuti mashoko aakanga ataura azadziswe, okuti: “Handina kurasikirwa nomumwe weava vamakandipa.”
10 Ipapo Simoni, uyo akanga ano munondo, akauvhomora akacheka muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. (Zita romuranda uyo rainzi Marikusi.)
11 Jesu akarayira Petro achiti, “Isa munondo wako mumuhara! Ko, ndicharega kunwa mukombe wandapiwa naBaba here?”
12 Ipapo boka ravarwi navatariri vavaJudha vakabata Jesu vakamusunga.