27 Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu.
28 “Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya apo vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake
29 uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa.
30 Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma.
31 “Kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu hahuna maturo.
32 Pano mumwe anondipupurira, uye ndinoziva kuti uchapupu hwake pamusoro pangu ndohwechokwadi.
33 “Makatuma nhume kuna Johani naiye akapupurira chokwadi.