1 Asi Jesu akaenda kuGomo reMiorivhi.
2 Panguva dzamambakwedza akazviratidzazve mutemberi, vanhu vakamuunganira, uye akagara pasi kuti avadzidzise.
3 Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vakapinda nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamuita kuti amire pamberi peboka
4 uye vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita upombwe.
5 MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?”
6 Vakanga vachishandisa mubvunzo uyu kuti vamuteye, vawane hwaro hwokumupa mhosva. Asi Jesu akakotama akatanga kunyora pasi nomunwe wake.