31 uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu.
32 “Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari,
33 akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi:“ ‘Ndiwe Mwanakomana wangu;nhasi ndava baba vako.’
34 Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti:“ ‘Ndichakupa maropafadzo matsvene,uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’
35 Nokudaro zvinotaurwa pamwewo kuti:“ ‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’
36 “Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora.
37 Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.