15 Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
16 “ ‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa.Ndichavakazve matongo ayo,uye ndichaivandudzazve,
17 kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe,uye navaHedheni vose vanodanwa nezita rangu,ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’
18 zvakangova zvazivikanwa kubva kare.
19 “Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera vaHedheni ava vari kutendeukira kuna Mwari.
20 Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa.
21 Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.”