21 Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.”
22 Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.
23 Vakatumira tsamba yaiti:Vapostori navakuru, idzo hama dzenyu,Kuvatendi nokuvaHedheni vari muAndioki, Siria nomuSirisia:Kwaziwai.
24 Takanzwa kuti vamwe vakabva kwatiri vasina mvumo yedu vakakanganisa pfungwa dzenyu nezvavakataura.
25 Saka tose takatenderana kuti tisarudze varume pakati pedu tigovatuma kwamuri pamwe chete neshamwari dzedu dzinodikanwa ivo Bhanabhasi naPauro,
26 varume vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.
27 Naizvozvo tiri kutumira Judhasi naSirasi kuti vagotsigira namashoko omuromo wavo pane zvatanyora.