29 Munofanira kurega zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, neropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye noupombwe. Muchaita zvakanaka kuti murege izvi.Chisarai.
30 Varume ava vakaenda ndokubva vaburuka vakaenda kuAndioki, kwavakandounganidza kereke pamwe chete ndokubva vavapa tsamba.
31 Vanhu vakaiverenga vakafara kwazvo nokuda kweshoko rayo rokukurudzira.
32 Judhasi naSirasi avo vakanga vari vaprofita, vakataura zvakawanda zvokukurudzira nokusimbisa hama.
33 Shure kwokunge vambogara kwechinguva ikoko, vakaperekedzwa nehama namaropafadzo orugare kuti vachidzokera havo kuna avo vakanga vavatuma.
34 Kunyange zvakadaro, Sirasi akasarudza kusarapo.
35 Asi Pauro naBhanabhasi vakasara muAndioki, uko ivo navamwe vazhinji vakadzidzisa nokuparidza shoko raShe.