19 Vazhinji vakanga vachiita zvoun'anga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanua.
20 Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura nesimba.
21 Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.”
22 Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva.
23 Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi.
24 Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo.
25 Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri.