13 Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”
14 Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira, kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu.
15 Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai!
16 Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti,
17 “ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari,‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose.Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita,majaya enyu achaona zviratidzo,vatana venyu vacharota hope.
18 Kunyange napamusoro pavaranda vangu,zvose varume navakadzi,ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita.
19 Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro,nezviratidzo panyika pasi,ropa nomoto uye mhute youtsi.