22 “Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.
23 Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa.
24 Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.
25 Dhavhidhi akataura nezvake achiti:“ ‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose.Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi,handingatongozungunuswi.
26 Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa;uyezve muviri wangu uchararama netariro,
27 nokuti imi hamuzondisiyi muguva,uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.
28 Makandizivisa nzira dzoupenyu;muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’