2 Pavakanzwa achitaura kwavari nechiHebheru, vakanyanya kunyarara.Ipapo Pauro akati,
3 “Ini ndiri muJudha, akaberekerwa kuTasasi yeSirisia, asi ndakarerwa muguta rino. Pasi paGamarieri ndakanyatsodzidziswa mutemo wamadzibaba edu uye ndakanga ndichishingairira Mwari sezvamunoita imi nhasi.
4 Ndakatambudza vateveri veNzira iyi kusvikira pakufa kwavo, ndichisunga zvose varume navakadzi ndichivaisa mutorongo,
5 sezvandingapupurirwawo nomuprista mukuru namakurukota ose. Ndakapiwa matsamba aibva kwavari okuenda nawo kuhama dzavo dzaiva muDhamasiko, ndikaenda ikoko kuti ndinouya navanhu ava kuJerusarema savasungwa kuti vazorangwa.
6 “Nenguva dzinenge dzamasikati pandakanga ndoswedera pedyo neDhamasiko, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikandipenyera kumativi ose.
7 Ndakawira pasi ndikanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko?’
8 “Ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’“Iye akati, ‘Ndini Jesu weNazareta, wauri kutambudza.’